Romans 12

Chibayiro Chipenyu

1Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. 2Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

3Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari. 4Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete, 5saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe. 6Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. 7Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise; 8kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.

Rudo

9Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka. 10Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye. 11Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. 12Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera. 13Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.

14Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka. 15Farai navanofara; chemai navanochema. 16Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

17Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. 18Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. 19Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe. 20Asi:

“Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya,
kane ane nyota mupe chokunwa.
Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”
21Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Copyright information for SnaBDSC